Accessibility links

Breaking News

Vakaurayiwa kwaChiadzwa Kuminda yeMangoda Vorangarirwa


Vanhu vanoita zviuru zvishanu vakaunganga kwaMarange kurangarira vakaurawa nemauto vachichera mangoda muna 2008.
Vanhu vanoita zviuru zvishanu vakaunganga kwaMarange kurangarira vakaurawa nemauto vachichera mangoda muna 2008.

Vanhu vanosvika zviuru zvishanu vaungana neChina kwaChiadzwa kwaMarange vachirangarira vanhu vakafa munguva yaibviswa vanhu mudunhu iri nechisimba nemauto.

Hurongwa hwekubvisa vanhu nechisimba munzvimbo iyi, uhwo hwainzi ‘Operation Hakudzokwi’ muna 2008, hwakasiya vanhu vakawanda vafa.

Mukuru wesangano re Center for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vaudza studio 7 kuti madzishe, masabhuku nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anosanganisira, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, National Peace and Reconciliation Commission nemamwe vange vari pamusangano uyu.

“Tiri kuti vanhu vekwaMarange inhapwa dzehurumende. Nzvimbo yeMarange iri kubirwa. Hurumende haisi kudzokera shure pakupamba hupfumi hwekwaMarange pasina ‘development’ iri kuitwa munzvimbo iyoyo,” VaMaguwu vaudza Studio 7.

“Migwagwa yeko haifambike. Vana vari kufamba ‘10…15 kilometers’ kuinda kuchikoro. Hamuna makiriniki asi inzvimbo iri kuburitsa mangoda anoita mabhirioni emadhora gore negore.”

VaMaguwu, avo vazobva pagungano iri zvechimbi chimbi vachitiza mapurisa, vati kana hurumende ikasakurumidza kubvumidza vanhu vemunharaunda iyi kuchera mangoda, vanhu pachavo vachazomisa kucherwa kwemangoda zvachose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG