Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanodzinga VaMnangagwa muHurumende


Va Emmerson Mnangagwa
Va Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadzinga mumwe wevatevedzeri wavo, VaEmmesron Mnangagwa, basa vachiti maitiro avo ange asisaenderane nechinzvimbo chavo muhurumende.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaSimon Khaya, vaudza vatori venhau kumahofisi avo ari pedyo nemahofisi aVaMugabe paMunhumutapa Building kuti VaMugabe vashandisa masimba avanopihwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaMoyo, avo vataura nevatori venhau vachibva kuState House, vati VaMnangagwa vange vave nenguva yakareba vachiratidza kusavimbika, kusatendeka, nekusakudza mukuru wavo pabasa kwenguva yakareba.

Kudzingwa kwaVaMnangagwa kunovetera mwedzi yakawanda vachitukwa nekunyombwa pamisangano naVaMugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiriri wenyika.

VaMnangagwa vanonziwo vaitungamira chimwe chikwata muZanu PF chaizivikanwa kuti Team Lacoste.

NeMugovera kuBulawayo, VaMugabe vakashatirwa pamusangano apo vakati vaigona kudzinga VaMnangagwa basa izvo vazoita.

VaMoyo, avo vanove mutauriri weZanu PF, varamba kupindura mibvunzo uye havana kutaura kuti VaMnangagwa vachadzingwa kubato here.

VaMugabe vanoti Zanu PF ibato ravo uye havabvume nyaya dzekuti panzi pane vamwe vanhu vane rutsigiro kune mamwe matunhu akaita seMasvingo neMidlands.

Munyori mukuru mubato guru rinopikisa, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa naVaMugabe nemhuri yavo zvine rusaruramukati.

Mukuru weDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vati kudzingana kuri kuitika muZanu PF hakubatsire asi kuti VaMugabe ndivo vatadza kutonga nyika.

Vamwe vakawanda vataura neStudio7 vatiwo kudzinga VaMnangagwa hakubatsire nyika uye VaMugabe ndivo vanofanira kuenda sezvo vachembera uye vawondonga nyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMnangagwa panyaya iyi.

VaMnangagwa ndivo mutevdzeri wechipiri waVaMugabe kudzingwa mukati memakore matatu apfuura, zvichitevera kudzingwa kwaAmai Joice Mujuru muna 2014.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG