Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbisa Kuripa Varimi Vachena US$3.5 Billion


FILE - A farmer addresses a meeting of white commercial farmers in Harare, Zimbabwe, Feb. 5, 2010.
FILE - A farmer addresses a meeting of white commercial farmers in Harare, Zimbabwe, Feb. 5, 2010.

Hurumende yasainirana chibvumirano nevarimi vachena vakatorerwa mapurazi avo chekubhadhara vachena ava mabhiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti $3.5 billion.

Chibvumirano ichi chaisainwa negurukota rezvemari, VaMthlui Ncube, vakafanobata chinzvimbo chegurukota rezvekurima, Amai Oppa Muchinguri Kashiri vakamirira hurumende pamwe nemutungamiri wesangano reCommercial Farmers Union, VaAndrew Pascoe.

Vachitaura pakusainwa kwechibvumirano ichi, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati varimi ava vachabhadharwa chete zvivakwa zvaive pamapurazi avo paakatorwa zvakatararwa mubumbiro remitemo yenyika, kwete ivhu rakatorwa.

VaMnangagwa vati vanovimba kuti chiitiko ichi chichaita kuti nyika ikwanise kusimudzira mabasa ekurima pamwe nekuona kuti nyika yawana chikafu chakakwana pamwe nemari kubva mukurima.

VaPascoe vati vanofara kuti varimi pamwe nehurumende vakakwanisa kugara pasi vakawirirana kupedza gakava iri iro rave kudarika makore makumi maviri.

Vati vanovimba kuti hurumende ichatevedza zviri muchibvumirano ichi nekubhadhara varimi vachiti kana izvi zvikaitika, zvinoratidza pasi rese kuti Zimbabwe yasununguka kuita mabhizimis nemakambani emuno neekunze.

Komiti ichange ichitungamirirwa naVaNcube ndiyo ichatungamira basa rekuunganidza mari yekubhadhara varimi uye imwe mari yacho ichatsvagwa kumisika yemari.

Kunyange hazvo paine vamwe varimi vatambira kuti vabhadharwe zvivakwa nezvimwe zvavakaisa pamapurazi avo pane vamwe varimi vachana vari kuda kuripwa zvese neivhu racho vachiti mapurazi aya vakaatenga mushure mekukukwereta mari kumabhanga, vamwe vachitiwo vakashandisa mari dzavo dzemudyandigere kutenga mapurazi avakazobvutirwa nehurumende yaiva pasi pamuchakabvu Robert Mugabe.

Asi izvi hazvina kuiswa mubumbiro remitemo yenyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohn Robertson, vaudza VOA kuti Zimbabwe ine mutoro mukuru mukuzadzisa zvayasaina.

VaRobertson vati pari zvino Zimbabwe haina mari iyi, nokudaro hazvirevi kuti kunyorerana kwaitwa chibvumirano ichi kunoreva kuti varimi vava kupihwa mari dzavo.

Zimbabwe yakabvuta minda kubva kuvarimi vechichena vanodarika zviuru zvina nemazana mashanu mumakore ekuma2000 ikapa mapurazi aya kuvatema izvo zvakaita kuti iburane nenyika dzakawanda pasi rese iakapedzesera yatemerwa zvirango nepamusana pekusaremekedza mitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG