Accessibility links

Breaking News

Varwere Votadza Kurapwa kuMashonaland West


Chinhoyi Premature Births

Zvimwe zvipatara nemakiriniki mudunhu reMashonaland West zviri kudzosa varwere kudzimba dzavo vasina kurapwa.

Varwere vakawanda vataura neStudio 7 vati pachipatara chemuChinhoyi vanhu havasi kurapwa sezvo vana mukoti vashoma vari pabasa vanenge vachingombeya vasingashande.

Amai Getrude Kazingizi, avo vanga vauya naAmai vavo kubva kuMhangura, vati vanzi vaende kuChinhoyi sezvo vatadza kuyamurwa kuMhangura sezvo vanga vachitora vanhu vanga vachirwara nechirwere cheCovid-19 chete.

Amai Kazingizi vati vasvika nguva dzemasikati vasati vawana rubatsiro paChipatara chemuChinhoyi.

Wadhi yemadzimai iyo inosimboramba ichishanda kana zvinhu zvakaoma
muzvipatara, mamwe madzimai ari kusununguka pasina anovabatsira.

Mumwe mudzimai, Amai Patients Taderera, vakafirwa nemwana pakusununguka neMuvhuro sezvo vakatadza kuwana rubatsiro nenguva.

Babamukuru VaAmai Taderera, VaWilbert Wizimani, avo vakamhanya navo kuchipatara, vati vakarwadziwa zvakanyanya nemabatirwo avakaitwa muwadhi yemadzimai iyi.

VaWizimani vati kuchipatara hakuna ruyamuro zvekuti vari kudemba kuti dai vakatsvaga ruyamuro kunana nyamukuta murukusheni mavanogara.

VaWizimani vati chiri kuvarwadza zvakanyanya ndechekuti mwana
akashaya akamboshaikwa kumba inochengeterwa vafi sezvo ainge asati
abviswa kuwadhi.

Vakafanobata chigaro chemukuru wedunhu reMashonaland West mubazi
rezvehutano, Dr Tapiwa Dhliwayo, vanoti hausi mutemo kuti varwere
vatange vaenda kukiriniki asi ikurudziro yekuti vanhu vaende pamakiriniki ari pedyo navo senzira yekuderedza huwandu hwevanhu kuzvipatara zvikuru.

Patabvunza kuti sei makiriniki ekanzuru ari kudzosera varwere kumba
vachiti vanorapwa kuchipatara chikuru mukuru wezvehutano mukanzuru
yeChinhoyi, Dr William Mayabo, vati tivabate mangwana sezvo vanga
vachiti vapedza basa masikati.

Zvimwe zvipatara zviri kudzosera vanhu kumba zvichiti varwere vatange
varapwa kumakiriniki zvipatara zvikuru zvemuChegutu, Kadoma pamwe
neKaroi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG