Accessibility links

Breaking News

Madomerwo Anoitwa Magamba muZimbabwe Osimudza Zvakare Mutauro


VaSibusiso Moyo
VaSibusiso Moyo

Zvichitevera kuziviswa nehurumende kuti yapa vaimbove gurukota reZimbabwe rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, chiremekedzo chehugamba, vazhinji vari vashora masarudzirwo anoitwa magamba munyika.

Mugwaro rakanyorwa nemutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, rikaendeswa kumhuri ya VaMoyo neChitatu manheru negurukota rekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, hurumende yakati VaMoyo igamba renyika.

VaMoyo vakashaya nemusi weChitatu nechirwere che Covid-19, kunyange hazvo hutano hwavo hwange huchivanetsa nguva nenguva.

PaTwitter, vanhu vari kutaura nezvenyaya iyi vamwe vachiti magamba mazhinji akachengetwa paHero’s Acre haana kodzero yekuva magamba sezvo pasina zvavakaita zvinobatsira vanhu.

Vamwe vanovarumbidza vachiti VaMoyo vane kodzero iyi, vazhinji vachiyeuka mashoko avo paZBC TV vachiudza vanhu munyika kuti musi wa Mbudzi 15, 2017 mauto akange apindira mune zvwmatongerwo enyika aine chinangwa chekubvisa matsotsi akakomberedza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vamwe vakapinda chikoro paManama High School naVaMoyo vanovarumbidza zvikuru vachitaura nhorooondo dzaVaMoyo dzekuhondo.

Kunyange hazvo vamwe vachiti VaMoyo vane kodzera yekupiwa chiremekedzo chegamba renyika, vamwewo vanoti VaMoyo havana chikuru chavakaita kuhondo kana munyika chinokonzera kuti vapiwe chiremekedzo ichi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti panofanirwa kuve nekomishini kana sangano rakazvimirira rinoona nezvekupihwa hugamba kwevanhu veZimbabwe, asi richibatsirwa nevanhu vemunyika, kwete kuti bato rimwe chete rezvematongerwo enyika riudze nyika yose kuti nhingi nanhingi igamba renyika asi pasina zvinozivikanwa zvakaitwa nemunhu uyu kunze kwekuti ange ari webato reZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG