Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera paShow Grounds kuGoromonzi Voramba Kubhadhara Mitero


Vanotengesa ava vanonzi vari kuda kuti kanzuru itange yavagadzirira zvimbuzi nekuvawanisa mvura yemupombi.
Vanotengesa ava vanonzi vari kuda kuti kanzuru itange yavagadzirira zvimbuzi nekuvawanisa mvura yemupombi.

Vanotengesera mumigwagwa panzvimbo yemabhizimisi, yeShowgrounds kuDomboshava mudunhu reGoromonzi West, vanoti vambomira kubhadhara mitero kukanzuru yeGoromonzi dzamara kanzuru iyi yavavakira zvimbuzi, misika yakanaka pamwe nekuvapa mvura panzvimbo dzavanoshandira.

Vanhu ava vanoti vave nemakore akawanda vachibhdhara mitero kuGoromonzi Rural District Council asi pasina chinobuda, uye vanoti zvave kuitika panzvimbo iyi zvinogona kukonzera zvirwere zvemanyoka.

Mumwe wevatongesera panzvimbo iyi, Amai Jesca Mawodzwa, vaudza Studio 7 kuti vanoshushikana kuti kunyange hazvo vari kubhadhara mutero hapana chavari kuitirwa nekanzuru yavo.

Vamwewo amai vasina kuda kudomwa nezita vaudza Studio 7 kuti havaoni chikonzero chekuramba vachibhadhara mitero nekuti hapana chavari kuwana kubva kukanzuru.

Sachigaro vesangano reGoromonzi Vendors Association, VaTichaona Mazhambe, vaudzawo Studio 7 kuti zvave kuitwa nevanhu paShowgrounds zvinonzwisisika sezvo zvichemo zvavo zvave nemakore zvisina kugadziriswa.

Pane vanhu vanodarika chiuru vanotengesera mumigwagwa paShowrounds kuDomboshava, uye vakatomboita mudememudeme wekutenga zvidhinha nesamende kuti vavakise zvimbuzi, asi havana kuwana rutsigiro kubva kukanzuru.

Kanzura weWard 4 muGoromonzi Rural Distict Council, avo vanomirira nzvimbo iyi, VaTapiwa Murima, vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo yakaita chisungo kare chekuti zvinhu zvigadziriswe paShowgrounds, uye havachaziva kuti chii chiri kutadzisa basa kufambira mberi.

VaMurima, avo vanovewo nhengo yekomiti inoona nezvemari muGoromonzi Rural District Council, vati paShowgrounds ndipo panobva mari yemitero yakawanda yekanzuru kudarika nzvimbo dzese muGoromonzi uye zvakakosha kuti kanzuru iitire vanhu zvavanoda kuti vasarega kubhadhara mitero.

Vavimbisa kuti vachagara pasi nevakuru-vakuru mukanzuru yavo kuti matambudziko akatarisana nevanhu vepaShowground agadziriswe.

Nyaya inaGodwin Mangudya
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG