Accessibility links

Breaking News

Zvitoro Zvotora Matanho eKudzivirira Korera


Cholera patients are seen isolated at Budiriro clinic in Harare, Zimbabwe, in Harare, Sept. 11, 2018. (C. Mavhunga/ VOA)

Zvitoro zvikuru zvinotengesa zvekudya muguta reHarare zviri kutora matanho okudzivirira kupararira kwechirwere chekorera icho chanetsa munyika.

Zvitoro izvi zviri kuisa pamikova yazvo mishonga yekugezesa maoko kuitira kuti vatengi vatange vachenesa maoko avo vasati vapinda, uye kuchenesa zvakare maoko avo pavanobuda.

Studio7 yaona izvi zvichiitika muzvitoro zvakawanda zvakaita sePick and Pay, Bon Marche neSpar.

Zvinhu zviri kutengwa zvakanyanya mishonga inodirwa mumvura yekunwa pamwe neyekusukisa ndiro.

Maneja wePick and Pay yekuAvondale, VaShepherd Msipa, vaudza Studio7 kuti mishonga inochenesa maoko yava kushaikwa sezvo vanhu vanga vachiita chipatapata kuitenga.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti sezvo munyika maita dambudziko rekorera, zvakakosha kuti vashandirwi vakurudzire vashandi vavo kugeza maoko avo pavanosvika pabasa.

Mumwe mukomana aramba kutaura zita asi achishanda muchitoro cheBon Marche kuAvondale ati mishonga yakawanda yekuchenesa kana kugezesa maoko yava kunetsa kuwana.

Chirwere chekorera chakatanga kubuda mumisha yeGlenview neBudiriro, uye kusvika pari zvino, vanhu vanodarika makumi maviri nevashanu vafa nacho munyika yose, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemazana manomwe vakabatwa nechirwere ichi.

Gurukota rezveutano VaObediah Moyo, nemamwe makurukota ehurumende vari mushishi rokutsvaga matanho okudzivirira kupararira kwechirwere.

Nyanzvi dzezvehutano dzinoti korera iri kukonzerwa nehutsvina, kunwa mvura isina kuchena, pamwe nekudya zvinhu zvisina kuchengetedzwa zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG