Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweHurumende hweKuda Kuvhura Zvitoro zveMauto Hwoshoropodzwa neVakawanda


Hurumende inonzi iri kuda kuvhura zvitoro zvakachipa mumakamba emauto.
Hurumende inonzi iri kuda kuvhura zvitoro zvakachipa mumakamba emauto.

Hurumende neChitatu yakazivisa kuti ine hurongwa hwekuvhura zvitoro mumakamba emauto zvinenge zviine mitengo iri pasi kuitira kuti mauto asanetseke kuwana zvaanoda pazuva nezuva, zvakaita sehupfu nezvimwe zviri kunetsa kuwana munyika.

Veruzhinji vanonzi vachange vachiwanawo zvinhu izvi muzvitoro zviri kunzi nehurumende ma Silo Shops, izvo zvinonzi zvinenge zviine mitengo iri pasi zvakare.

Pamusoro pekuvhura zvitoro zvemauto izvi, izvo zvinonzi ma garrison shops muChirungu, hurumende yakazivisawo kuti ine hurongwa hwekuti inge ichiumba homwe yemari ichange ichipindwa nevashandi vehurumende vanoda zvavo, yeMutual Savings Fund.

Hurumende inoti iyo ichaisa zana remamiriyoni emadhora muhomwe iyi, vashandi vachiisawo zvikamu zviviri nezviga zvishanu kubva muzana zvemihoro yavo, kana kuti 2.5%.

Homwe iyi inonzi inozobatsira vashandi vanenge vapinda ava kuburikidza nekuvakweretesa mari yavanozobhadhara yabereka nezvikamu zvishoma. shoma kana zvichienzaniswa nevamwe vanokweretesa mari kana vanoita zvechimbadzo.

Asi hurongwa hwehurumende huviri uhwu hwakoka mhepo yakaipa kubva kumasangano evashandi pamwe nevanhuwo zvavo vari kuti hurumende haifanirwe kungotora mari kubva kuvashandi ichiita madiro aJojina.

Mumwe wevari kushora izvi ibato rinopikisa reMDC, iro rinoti hazvisati zvamboitwa munhoroondo yenyika zvekuti mushandirwi anoti vamwe vashandi vabatsire nemari yekupa mumwe mushandi.

Munyori anoona zvevashandi nemabasa muMDC, VaGideon Shoko, vanoti hurumende haifanirwe kupindira munyaya dzekuumbwa kwehomwe dzemari nevashandi.

Vanoti hurumende inofanirwa kugara pasi nemasangano evashandi akaita seApex Council, kwete kuda kupinza maoko ayo muhomwe dzevashandi, avo gara vachitambira mari shoma nechakare.

Panyaya yekuti kuchave nezvitoro zvemauto, VaShoko vanoti iyi inzira yekuda kupatsanura vashandi kuti vasawirirane.

Asi nhengo yeZanu PF vari munyori anoona nezvedzidzo mudunhu reHarare, VaGilbert Muponda, vanoti vanhu vari kushoropodza hurongwa uhwu havana kunzwisisa zvakakwana nezvahwo.

VaMuponda vanoti hapana chakaipa kuti hurumende ibatsire vashandi vayo, uye chinofanirwa kunzwisiswa nevanhu ndechekuti vashandi vanopinda muchirongwa chehomwe yemari ndevanenge vachida zvavo.

Panyaya yezvitoro zvemauto, VaMuponda vanoti hapana chitsva apa nekuti hurumende yakagara ichibatsira mauto nekuapa chikafu nepekugara.

Hurukuro naVaGilbert Muponda Pamwe naVaGideon Shoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG