Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzedu Dzanhasi Muvhuro Kubvumbi 01, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Kunyange hazvo rubatsiro rwakaita sechikafu, mvura nezvimwe rwuri kunzi rwuri kuunganidzwa kubatsira vakawirwa nedambudziko reCylcone Idai kuManicaland, vakawanda vanoti havasati vawana rubatsiro urwu.

Makurukota anoona nezvemapurisa nezvekudyidzana nedzimwe muSouth Africa vanoita musangano nevamiriri vekune dzimwe nyika muSouth Africa pamusoro pekurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri kugara nekushanda munyika iyi.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches Reverend Doctor Kenneth Mtata vanoshanya muno muWashington DC mushure mekukokwa nebazi rinoona nezvekunze kweAmerica.

Chikwata chenhabvu chine mukurumbira munyika cheDynamos chinosimudza makwikwi acho e 2019 Castle Lager Premier Soccer League zvine mutsindo mushure mekuvamba mitambo yacho nekukunda Mushowani Stars.

Muchirongwa che LiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvakabuda musarudzo dze by-election dzakaitwa mukupera kwesvondo ku Bulawayo, uko Zanu PF yakakunda musarudzo idzi, idzo dzinonzi vanhu vakawanda havana kunovhota..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG