Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 11, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 11, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John mangudya, vanoramba kuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rino, vachiti Zimbabwe haina hurongwa hwakadaro munguva pfupi inotevera

Musangano wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa unodimurirwa panzira mushre mekukandirana makobvu nematete kwevaive sachigaro wekomiti iyi uye vari nhengo yakazvimirira, vaTemba mliswa nemumirir weChegutu West vari nhengo yeZanu PF, VaDexter Nduna.

Masangano evarairidzi opesana padanho rekumbomisa kuramwa mabasa, vamwe vachiti masangano aya apindwa napongwe.

Musango weAfrican Union wechimakumi matatu nembiri wopetwa kuAddis Ababa, Ethiopia, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachishanyira makambani anogadzira machira muEthiopia. Nezuro VaMnangagwa vakakurudzira Africa kuti izvimirire.

Vanorarama nezvirwere zvakaita seBP neshuga vanoti dzimwe nguva havachanwa mishonga yavo sezvakatarwa navanachiremba nekuda kwekuti vanotengesa mishonga iyi vave kuitengesa nemari yekuAmerica.

Chikwata cheFC Platinum chatarisana nekukunda kana kunyura mumakwikwi eCaf Champions League apo chiri kusangana ne AC Horoya yeku Guinea mangwana.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa musangano weAfrican Union, uyo uri kupetwa nhasi kuAdis Ababa, kuEthiopia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG