Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, 04 Kukadzi 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro, 04 Kukadzi 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoratidzira pachipatara che Groote Schuur, chiri muCape Town, apo panofungidzirwa kuti ndipo pari kurapwa mutevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Gurukota rezvedzidzo yepasi VaPaul Mavhima vanoita musangano wechimbichimbi nevamiriri vemasangano evarairidzi vachiedza kumisa kuramwa mabasa kwakarongwa nevarairidzi kutanga mangwana.

Nhengo dzebato reZanu PF kuMakonde, kuMashonaland West dzinonzi dzakasangana nezuro dzinosunga kuti dzichatorera matanho makukutu varairidzi vachapinda mukuratidzira kana kuramwa mabasa kutanga mangwana.

Mutevedzeri wameya weChitungwiza, VaJabulani Mutunzi, avo vakasungwa nezuro manheru, votarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga yakaitika munyika musi wa 14 Ndira gore rino.

Nhasi tiri kutarisa makakatanwa ari pahutungamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa, uye kuti izvi zviri kukanganisa zvakadii mafambiro ezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Chikwata cheFC Platinum chotarisana nekubuda mumakwikwi emutambo weCAF Champions League zvichitevera kurohwa kwachakaitwa 1-0 neHoroya AC yekuGuinea chiri pamusha neMugovera.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nezvechirwere chegomarara takanangana nezuva rekucherechedza gomarara, re World Cancer Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave….

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG