Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 01, 2021


Misoro yeNhau

Rwanda inoti inoda varairidzi vemuZimbabwe nechimbichimbi, panguva iyo Zimbabwe ichinzi haina varairidzi vakakwana zvekuti inoda vamwe vangangosvika zviuru makumi mapfumbamwe (90 000) kuti ikwanise kugutsa zvikoro zvayo.

Asi bazi redzidzo yepasi rinoti rine varairidzi vakatowandisa zvekukwanisa kupawo dzimwe nyika dzemu Africa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti zvikoro zvepamusoro soro zvinofanirwa kugadzirisa matambidziko akatarisana nenyika munyaya dzehupfumi pamwe nemagariro evanhu akanaka

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vanomwe vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevashanu, 335, vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Pavanhu vakabatwa neCovid-19 nezuro, mazana maviri nemakumi mana nevapfumbamwe (249) kana kuti zvikamu makumi manomwe nezvina kubva muzana, (74 percent), vanhu vari muzvikoro.

Chikwata cheCaps United chinofanirwa kusunga dzisimbe kana chichida kuramba chiri makundano eChibuku Super Cup

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvimhingamupinyi zviri kusangana nevanhu muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG