Magweta evakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Peter Magombeyi, ogadzirisa magwaro ekuti vaende kunorapwa kuSouth Africa. Kutaura kuno magweta aya akaungana pachipatara pana Dr. Magombeyi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura kumusangano weUnited Nations General Assembly vachikurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa vanhu vemuZimbabwe zvibvise, asi vasingabati kana kuvimbisa pasi rose kuti nyika yavo ichachengetedza kodzero dzevanhu pamwe nekuremekedza mitemo yenyika.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nemapato ezvematongerwo enyika vozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ayo vakataura nezuro manheru kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York
Vagari vemuBulawayo vanowana mukana wekutaura neStudio7 nhuna dzavo pamwe nezvavanoshuvira muhupenyu hwavo.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvinhu zvakasiyana siyana zvakanangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum