Dare redzimhosva rinoudza mapurisa kuti asarambidze vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Peter Magombeyi, kuti vaendfe kunorapwa kuSouth Africa zvichitevera kutochwa kwavanonzi vakaitwa nevanhu vakavapamba musi waGunyana 14.
America inopa Zimbabwe imwe mari inoita mamiriyoni makumi mana nemaviri emadhora ekuAmerica. Mari iyi ichashandiswa mukutengera vanhu vanosvika miriyoni imwe chete chikafu kutanga mwedzi unoya kusvika muna Chivabvu 2020.
Vagari vekumaruwa ekuGwanda mudunhu reMatabeleland South vanoudza Studio7 kuti hapana mabasa ebudiriro anoonekera ari kuitwa nehurumende, uye budiriro shoma iri kuitwa mudunhu iri iri kuitwa nemasangano akazvimirira.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, votaura kumusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa muNew York.
Hutungamiri weMDC hunoita musangano nemakanzura eguta reHarare huchitsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko remvura muguta iri.
Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvingaitwe nevechidiki mukusimudzira hupfumi hwenyika kuitira kuti vechidiki vasabude munyika dzavo vachinotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe nyika uko vanonosangana nemhirizhonga dzinobata vabvakure chete munyika dzavanenge vari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum