Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 10, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Madzimambo edzinza revaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, achitungamirwa naMambo Katizagombo, anoti hapachisina makakatanwa pamusoro pekuvigwa kwaVaMugabe sezvo hurumende, ichitungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa, yave kutungamira zvose zvose zvichaitwa pakuvigwa kwavo.

Mutumbi weVaMugabe wotarisirwa kusvika munyika mangwana uchibva kuSingapore uko kwavakashaikira.

Dare remakurokota rozeya zvinhu zvakawanda kusanganisira rufu rwaVaMugabe.

Mapato ezvematongerwo enyika akarwira rusununguko rwenyika dzekuchamhembe kweAfrica oenda kuZimbabwe zvichitevera kushaya kwaVaMugabe

Mitengo yezvinhu yoramba ichikwira panguva iyo veruzhinji vari kuti hupenyu huri kuvaomera

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa hupenyu nenhoroondo yaVaMugabe uye zvinoreva kune vechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG