Mhirizhonga inoramba ichiitika muSouth Africa umo muri kurwiswa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika. Tichanzwa matambudziko ari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.
Musangano weWorld Economic Forum on Africa unotanga muCape Town kuSouth Africa panguva iyo dzimwe nyika dzinoti Rwanda, Malawi neDemocratic Republic of Congo dzichinzi dzaramwa kupinda mumusangano uyu.
Madhokotera emumuzvipatara zvehurumende zvinoti Mpilo, Bulawayo United Hospitals, Harare General Hospital, Chitungwiza General Hospital, neParirenyatwa Group of Hospitals anoenderera mberi nekusaenda kumabasa achiti haana mari dzekuendesa kubasa sezvo zvinhu zvakawanda zvakwira mitengo izvo zviri kupedza mari dzavo dzemihoro.
Kanzuru yeMutare inokwidza mari dzinobhadharwa nevagari muguta iri zvikuru mari dzekurapwa muzvipatara zvekanzuru yeguta iri, mari dzekupaka dzimotokari muguta, nezvimwe.
Muchirongwa cheLiveTalk - Diaspora Forum na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri muSouth Africa zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa zvizvarwa zvisiri zvemunyika iyi..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum