Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Gunyana 02, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mune mamwe maguta muSouth Africa hamuna kumira zvakanaka nenyaya yemhirizhonga iri kukonzerwa nezvizvarwa zvenyika iyi zvinonzi zviri kurwisa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Vamwe vochema chema nekubvumidzwa kweZanu-PF kufora muguta reHarare ichishora zvirango zvakatemerwa vakuru venyika kunyangwe MDC iri kurambidzwa kuratidzira. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutaura pagungano iri.

Meya weguta reChitungwiza orohwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF mushure mekumisa basa munyori mukuru weguta iri.

Remangwana renhabvu munyika harina kumira zvakanaka sezvo vezvikwereti votenderera pamusoro peZifa semagora.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kusagadzikana kuri muSouth Africa zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa vatyairi vemagonyeti uye kuputswa kwezvitoro kwezvizvarwa zvisiri zveSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG