Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 27, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Dare repamusoro soro remuBulawayo rinoendesa mberi kunzwikwa kwechikumbiro chaIshe Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni chekuti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. Izvi zvaitwa mushure mekunge muchuchisi wenyaya iyi ati anoda nguva yekuti aongorore zvakaitika mudare izvo zvapa kuti nyaya iyi ichinzwikwa mangwana.

Vashandi vehurumende vari pasi pesangano re Apex voita hurukuro nehurumende pamusoro pedanho rakatorwa nehurumende rekuda kuwedzera vashandi vayo mihoro yavo nezvikamu makumi manomwe nezvitanhatu kubva muzana.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zana nemakumi manomwe zvinotyaira magonyeti muSouth Africa zvinosiiswa basa nezvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kuti zviri kutorerwa mabasa azvo nevabvakure.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva kuZimbabwe musangano wezvekutengeserana, we Tokyo International Conference on Development, uyo uri kupindwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutaura nemutori wenhau wechidiki uye ari mutauriri weYoung Journalists Association, Leopold Munhende, uyo akambosungwa svondo rapera nemusi weChishanu ari pabasa akazoregedzwa mushure mekunge magweta ake apindira.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG