Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Nyamavhuvhu 19, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa, mauto nevasori vanonzi vaswera vachitenderera muBulawayo nhasi mushure mekunge MDC yazivisa kuti inoda kuratidzira asi ikamiswa nemapurisa ichibva yakwira kudare kunopikisa.

Mutevedzeri wameya wemuBulawayo VaTinashe Kambarami vanopambwa vorohwa uye kugerwa nebhodhoro nevanofungudzirwa kuti vasori. Tine hurukuro navo.

ZAC inoti iri kuda kusunga vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko nekushandisa hofisi yavo zvisizvo pvaive muhurumende.

Hurumende yoronga kukwereta mari kubva kunyika nomwe dzakabudirira kuti ibhadhare chikwereti chayo.

Caps United yozeya nyaya yemurairidzi wayo Lloyd Chitembwe anonzi ave kuda kusiya basa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutaura pamusoro pekuratidzira kweMDC uko kusina kuzoenderera mberi zvichitevera danho rakatorwa nemapurisa emuBulawayo nekuvarambidza.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG