Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare redzimhosva rinopa mukana wekubhadhara chiuru chemadhora pamunhu semari yechibatiso pavasungwa vashanu, uye vari varwiri vekodzero dzevanhu vakasungirwa mhosva yekuedza kuronga kubvisa hurumende zvisiri pamutemo mwedzi wapera. Vasungwa ava vakasungwa pavakasvika panhandare yendege muHarare vachibva kumusangano wakaitirwa kuMaldives.

Mutumbi waVaTerrence Masendeke, avo vakapfurwa vakafa kuminda yemangoda kwaMarange, waoongororwa nhasi navana chiremba vakasarudzwa nemhuri yekwaMasendeke, uye wava kutarisirwa kuendeswa kumusha kwemufi kuti uradzikwe.

Paramende inopedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemabhiri emutemo uchabatsira vemabhizinesi kusima mari dzavo munyika.

Kambani yeZesa yoramba ichishupika kuti iwanire nyika magetsi anokwanira munhu wese nemaindasitiri.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudza vanhu pahurongwa hwekuchenesa guta kuti Zimbabwe ichange yave nemari yayo mukupera kwegore rino.

Chikwata chevanhu vanozviti Broad Alliance Against Sanctions chinosvitsa mazuva makumi manomwe nerimwe chichiratidzira kunze kwemuzinda weAmerica muHarare chichiti chichabva chete kana America yabvisa zvirango zvachinoti yakatemera nyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG