Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, varapwa navana chiremba zvichitevera kukuvadzwa kwavakaitwa nezuro nevanhu vakavapamba pamba pavo nezuro pakati pehusiku. VaMasaraure, avo vakambopambwa zvakare muna Kukadzi, vanoti havasi kuzodzosa tsvimbo shure muhondo yavo yekurwira kodzero dzenhengo dzavo.
Mutumbi waVaTerrence Masendeke, avo vakapfurwa vakafa kuminda yemangoda kwaMarange, wazoongororwa nhasi navana chiremba pamberi pemutongo wedare repamusoro uri kutarisirwa kupihwa nhasi uchikomekedza hurumende kuti iite basa rayo nechimbi chimbi kuitira kuti mutumbi uyu uradzikwe kumusha kwemufi.
Mutongo wekupa kana kusapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuvasungwa vari kupomerwa mhosva yekuronga kubvisa hurumende pachigaro zvichitevera musangano wavakaita kuMaldives mwedzi wapera, wotarisirwa kupihwa nedare repamusoro mangwana.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu nehurumende panguva iyo hurumende iri kuedza kugadzirisa hukama hwayo nenyika dziri muEuroepan Union.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa kuoma kuri kuita hupenyu munyaya dzemari uye zviri kuitwa nemadzimai munguva yakadai yekuoma kwezvinhu.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum