Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosaina mutemo weTripartite Negotiating Forum Act vashandi vachiti mutemo uyu uchaomesera vashandi vanenge vachida kuratidzira, izvo vanoti zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.
Kuratidzira kwevarairidzi vari musangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kwasvika kumagumo nhasi sangano iri richiti richazeya mangwana matanho ekutora zvichitevera kubudirira kwarinoti kwakaita kuratidzira uku kwemazuva matatu.
Zimbabwe yopinda muhurongwa hwekuedza kugadzirisa hukama hwayo nenyika dziri muEuropean Union
Baba vemurume akapfurwa akafa kuminda yemangoda kwaChiadzwa mwedzi wapera vanoti mutumbi wemwana wavo hausi kubatwa zvakanaka mumochari mauri kuchengeterwa apo wakamirira kuongororwa navana chiremba usati wavigwa. Mhuri yekwaMasendeke inoti yakwidza nyaya iyi kudare redzimhosva kuitira kuti ipihwe mutumbi uyu kuitira kuti iuradzike sezvo pava nenguva yakareba kubva zvapfurwa mwanakomana wemhuri iyi.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum