Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Kuratidzira kwevarairidzi vari musangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kunopinda muzuva repiri sangano iri richiti mumwe murairidzi apambwa nevasori nhasi muGweru, ukuwo varairidzi vatanhatu vakahwanda vachityira hupenyu hwavo, uye vamwe vashanu vachinzi vatiza munyika vachityira hupenyu hwavo.

Vanofungidzirwa kuti vasori vehurumende vanonzi vapinda nechisimba nhasi mangwanani na 5AM pamba pasachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vachivatsvaga asi vakawana vasipo pamba pavo.

Mitengo yezvinhu yoramba ichikwira izvo zvava kupa kuti mihoro yevashandi ishaye zvainoreva.

Makurukota ehurumende anoita musangano wedare remakurukota achizeya mamiriro akaita zvinhu munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinotyaira dzimotokari kuSouth Africa zvave kugara zvakabatira ura mumaoko zvichitevera kupiswa kwedzimotokari nezvinofungidzirwa kuti zvizvarwa zvemuSouth Africa zvisiri kuda kuti zvizvarwa zvekunze zviwane mabasa.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kusungwa sungwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu pamwe nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG