Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 31, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mazana nemazana evanhu vanoungana muWhite City Stadium muBulawayo vachionekana nemutumbi wemutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vari kuradzikwa neMugovera kuNtabazinduna mudunhu reMatabeleland North.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, rinonyorera tsamba mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, richikurudzira kuti pave nenhaurirano pakati pevashandi nevashandirwi senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi munyika.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti dzinoona sekunge mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vari munhu ane mukana wekugadzirisa zvinhu munyika kana vakapinda panyanga dzekutonga nyika.

Makurukota ehurumende oenderera mberi nehurongwa hwekuita hurukuro nevamiriri venyika dzekunze muZimbabwe achikurudzira kuti zvirango zvaanoti zvakatemerwa nyika, zvichibviswa sezvo Zimbabwe iri kuvandudza mitemo yakawanda.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mabasa akaitwa naVaDabengwa panguva iyo vanga vari mupenyu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 31, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG