Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti nyika ine chikwereti chemamiriyoni mazana maviri emadhora kumakambani ekunze kwenyika anotengesa peturu nedhiziri ayo ari kuda kutanga abhadharwa mari dzawo kuitira kuti Zimbabwe ishandise mafuta akachengetwa nemakambani aya munyika.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, rinovhara mahofisi aro muZimbabwe richiti riri kuda kutanga rapedza kuferefeta huori hwaiitwa nehofisi iyi.
Vasungwa vana vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, avo vakasungwa vachibva kumusangano wakaitirwa kuMaldives svondo rapera, vanokumbira dare repamusoro kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotoresa mhiko mudzimai wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, Amai Loice Matanda-Moyo, sasachigaro wekomisheni inorwisa huori, yeZimbabwe Anti Corruption Commission, vachiti hurumende yavo haisi kuzoita zvekutamba nenyaya dzehuori.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi pamwe nemabatiro azviri kuita vanhukadzi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum