Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli, vanoita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mukushanya kwavo kwemazuva maviri muZimbabwe.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoudza hurumende kuti isiyane netsika yekungosunga sunga varwiri vekodzero dzevanhu ichavapomera mhosva dzemanyepo ichiti vanoda kupidigura hurumende.

Muzinda weAmerica muZimbabwe unokurudzirawo hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yenyika. Mashoko aya anotevera kusungwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu vanomwe, uye kusungwa nezuro kwemumiriri weHarare West mudare re National Assembly, Muzvare Joana Mamombe, avo vamiswa mudare redzimhosva nhasi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvozeya hupenyu hutsva hwemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, pamwe nevamwe vavo vakasarudzwa pakongiresi – uye kutarisa remangwana rebato iri kana riine mukana wekubvisa Zanu PF pamasimba ekutonga musarudzo dzichaitwa munyika.

Mitengo yechingwa inokwira panguva iyo mitengo yepeturu nedhiziri iri kukonzera gakava pakati pemagaraji epeturu neboka reZimbabwe Energy Regulatory Authority.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvakaitika kuchirongwa cheZimExpo icho chakapera nemusi weSvondo kuChicago mudunhu reIllinois kuno kuAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 29, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG