Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 27, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutumbi wegamba renyika VaDumiso Dabengwa unosvika munyika nhasi vachitarisira kuradzikwa nemusi weMugovera.

Bato reMDC rinosarudza vatungamiri vatsva kuAscot Stadium kuGweru VaWelshman Ncube, VaTendai Biti uye Amai Lynette Karenyi-Kore vachisarudzwa kuva vatevedzeri vemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube voshora vamwe vemabhizimisi vachiti vari kudhurisa zvinhu asi hurumende haingavasunge nekuti zvinokonzera kusagadzikana munyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato revechidiki reZanu-PF VaGodfrey Tsenengamu vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakomberedzwa nematsotsi.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na 8 pm nhasi, tiri kurangarira Gamba renyika VaDumiso Dabengwa vakashaya nemusi weChina.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 27, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG