Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 24, 201


MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inotanga kongiresi yayo yechishanu kubva pakavambwa bato iri muna 1999 vatsigiri vebato iri vachitsukisa nhandare yose yeAscot nezvipfeko zvebato pamwe nezvekutsigira vanhu vari kukwikwidza pakongiresi iyi.

Vakawanda munyika nekunze kwenyika vorangarira vaive mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vashayikira kuKenya vari murwendo rwekudzoka kumusha vachibva kuIndia kwavanga vachirapwa. VaDabengwa vanga vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakabva kuZapu dzokurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti VaDabengwa vaitwe gamba renyika.

Kanzuru yeHarare inodzima mvura kusvika musi weSvondo kuitira kuti mishina inochenesa mvura igadziriswe.

Vanhu vakawanda vogara vakachema mazuva ose nekushaikwa kwemagetsi mudzimba dzavo.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 24, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chirongwa cheZimExpo chinotanga muguta reChigaco mudunhu re Illinois kuno kuAmerica

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mabasa akaitwa naVaDabengwa vachiri vapenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG