Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vashaya vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya mabasa akaitwa naVaDabengwa kubva munguva yehondo yerusununguko kusvika nyika yawana kuzvitonga.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kuenderera mberi nekongiresi yayo kuGweru zvisineyi kuti kune vamwe vari kuedza kumisa kongiresi iyi vachishandisa matare edzimhosva.
Madzimai matatu eMDC ari kukwikwidza chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato anoti; Amai Lynett Karenyi Kore, Amai Lillian Timveos naAmai Tracy Mutinhiri, votaura paStudio7 zvinopa kuti vasarudzwe semutevedzeri wemutungamiri webato pakongiresi iri kuitirwa kuGweru.
Varwiri vekodzero dzevanhu vashanu vari kupomerwa mhosva yekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vanopinda mudare vakaiswa njema mumakumbo izvo zvakonzera kuti magweta avo anyunyute zvikuru.
Veruzhinji vari kumaruwa vochema chema zvikuru nekuoma kuri kuita zvinhu munyaya dzehupfumi.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kongiresi yeMDC iyo ine vanhukadzi vatatu vachakwikwidzana chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 23, 2019
Facebook Forum