Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 22, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vasungwa vashanu vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vanopinda mudare vachitarisirwa kukumbira kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa itonge vachibva kudzimba dzavo.

Mamwe magaraji epeturu otengesa rita rimwe chete repeturu nemadhora gumi emaRTGS panguva iyo peturu iri kunetsa kuwana munyika.

Dambudziko remagetsi ekushandisa mudzimba roramba richikura munyika, ZESA ichiti izvi zviri kukonzerwa nekudzikira kwaita mvura muna Zambezi, asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzichiti zviri kukonzerwa nekutadza kweZESA kubhadhara zvikwereti zvemagetsi kukambani yemuSouth Africa yeEskom neye kuMozambique, ye HCB.

Vezvematongerwo enyika vozeya matambudziko akatarisana nenyika panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamuramba mhuru, ukuwo zvimwe zvinhu zvakaita sepeturu nemgetsi zvichishaikwa munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevari kunze kwenyika panguva iyo zvino zvisina kumira zvakanaka munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chivabvu 22, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG