Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 21, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 21, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano re Center for Community Development in Zimbabwe rinoti hurumende inofanirwa kubvisa muhusungwa mushandi wesangano iri, VaGeorge Makoni, pamwe nevamwe vake vanorwira kodzero dzevanhu vatatu vanoti; VaFrank Mpahlo - veTransparency International-Zimbabwe, Tatenda Mombeyarara weCitizen Manifesto pamwe naMuzvare Gamuchirai Mukura veCommunity Tolerance and Development Trust. Vana ava vakasungwa vachingosvika panhandare yendege muHarare nezuro manheru.

Mafuta edzimotokari ogara akanetsa munyika mutengo wawo uchingochinjwa nguva dzose izvo zvopa kuti vanoshaya vagare vakaomerwa nehupenyu.

Zvikoro zvinovhurwa munzvimbo dzakarohwa nemafashamu emvura mumatunhu eChipinge neChimanimani kuManicaland

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi takatarisa matambudziko akatarisana nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG