Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 17, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

South Africa inoudza Zimbabwe kuti ive nemutongi gava anobva kunze kwenyika kuitira kuti gakava rezvematongerwo enyika riri munyika rigadziriswe. Mashoko aya anouya panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatura hurongwa hwenhaurirano nevamwe vemapato ezvematongorwo enyika pasina mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa.

Kuratidzira kwekutsigira Ishe Ndiweni kwaenderera mberi nhasi muBulawayo mapurisa akachengetedza panzvimbo yaungana vanhu ava kuitira kuti pasaite mhirizhonga.

Vanhu vakapfurwa vakakuvara zvichitevera kuridzirwa pfuti kwavakaitirwa nevari kuchengetedza minda yemangoda kwaMarange kuManicaland votaura zvakaitika nemafiro akaita vamwe vavo.

Nhengo dzeMDC dzakarohwa nemapurisa muparamende dzichinzi dzakaramba kusimukira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitaura, dzoendesa kumatare gurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, nemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vachida kuripwa mari inosvika zviuru makumi matatu zvemadhora.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nhaurirano dzinofanirwa kuitwa munyika takatarisawo mashoko eSouth Africa ekuti mutongi gava anobva kunze kwenyika ndiye anofanira kuyananisa gakava riri munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 17, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG