Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 16, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vaviri vanonzi vakapfurwa vakafa uye vanhu vanosvika makumi mana vakakuvara zvichitevera kuridzirwa pfuti kwavakaitirwa nevari kuchengetedza minda yemangoda kwaMarange kuManicaland.

Nhengo dzeparamende dzinoudza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi uho huri kunzi naVaNcube huri kuita zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya kuipa kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi uye kuti dambudziko iri ringagadziriswa seyi.

Nyaya yaChief Ndiweni yekushora hurumende pamusoro pemabatirwo enzvimbo yeNtabazinduna kuMatabeleland North yotsviriridza munyika vamwe vachitsigira Ishe ava, vamwe vachivashora.

Veruzhinji vojekeserwa nenyanzvi munyaya dzemitemo zviri mubhiri reMaintenance of Order and Peace Act mutemo mutsva uchatsiva wePublic Order and Security Act.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable pa LiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai panguva iyo zvinhu zvakaoma mudzimba nepamusana pekunetsa kuri kuita zvinhu munyaya dzemari nemagariro evanhu mudzimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 16, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG