Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, votarisirwa kutaura muparamende mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi panguva iyo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika munyaya dzemafuta edzimotokari, mitengo yezvinhu nezvimwe.
Masangano akazvimirira ozeya nzira dzinopa pundutso kumashandiro ematunhu
Varimi vachena vakabvutirwa minda yavo pasi pehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, votarisirwa kutanga kupihwa mari dzavo svondo rinouya.
Varimi vefodya kuMashonaland West vopenga vachiti havasi kufara nemutengo wefodya yavari kunzi vatengese fodya yavo nayo.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mabatirwo ari kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika takatarisa zvazviri kuitawo mukusimudzira hupfumi hwenyika .
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum