Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 19, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zororo reEaster senzira yekuyeuka kufa kwaJesu Kristu, vanhu vakawanda vachinamatira nyika kuti ive nyika inogarika zvakanaka vanhu vachiwana nyore zvinhu zvavanoda mukurarama kwavo.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kukumbira ruregerero panyaya yeGukurahundi.

Vemakereke vanoti vacharamba vachiedza kuona kuti VaChamisa naVaMnangagwa vapinda munhaurirano dzekugadzirisa gakava riri pakati pavo.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti basa rekuyananisa gakava riri pakati paVaMnangagwa naVaChamisa rava kutoda kuti vatungamiri vemuAfrica vapindire kuitira kuti vaviri ava vagare pasi vachitaurirana.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa neveruzhinji pazororo reEaster munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG