Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, China, Kubvumbi 18, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mumashoko avo kuNational Sports Stadium vokurudzira kubatana asi mhemberero dzinokanganiswa nemvura yanaya muguta reHarare nhasi.

Mapato anopikisa anoti hapana chekupemberera munyika sezvo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo nekutadza kutungamira kweZanu-PF.

America nhasi yotarisira kubuditswa kweongororo yakaitwa naVaRobert Mueller yaingorora kuti mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vaidyidzana neRussia here munguva yesarudzo dzemunyika mavo muna 2016 uye kuti vakayedza here kuvhiringidza vaiferefeta nyaya iyi.

Vatyairi vemarori kuSouth Africa vari zvizvarwa zveZimbabwe vochema chema nemabatirwo avari kuitwa munyika iyi.

Munhau dzemitambo, Dynamos yotamba neHighlanders mumutambo wekuwana kuzvitonga kuzere.

Muchirongwa cheWomens Round Table na8pm tiri kukurukura nemadzimai nezvezuva rekupemberera kuzvitonga kuzere.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG