Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 17, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda vopihwa mushonga wekudzivirira chirwere chekorera munzvimbo dzakawirwa nedambudziko redutumupengo nemafashamu eCyclone Idai kuMasvingo neManicaland.

Zvakabuda musarudzo yekongiresi yeMDC mudunhu reHarare zvovisiswa panguva iyo kongiresi yedunhu reBulawayo iri kuitwa.

Zimbabwe yogadzirira kupemberera mangwana, Kubvumbi 18, kuwana kwenyika kuzvitonga, asi vakawanda vachiti hapana chekupemberera sezvo vanhu vari kushupika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvotarisirwa kuungana mudunhu reMaryland neMugovera zvichipemberera zuva rekuwana kuzvitonga

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG