Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 16, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mitengo yechingwa nezvimwe zvinodiwa mukurarama kwevanhu yoita chamurambamhuru.

Vanhu vakawanda vochema chema zvikuru nekushandiswa kwechikafu munyaya dzematongerwo enyika panguva iyo vanhu vakawanda vasina kuwana goho rakanaka mwaka uno.

Zvakabuda musarudzo yekongiresi yeMDC kuMasvingo zvotarisirwa nemaziso matsvuku nevakawanda.

Vechidiki voyambirwa kuti vashandise zvinodhaka sezvo zvichivhiringa hutano hwavo.

Zimbabwe yogadzirira kupemberera kuwana kwenyika kuzvitonganemusi wa Kubvumbi 18.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa kushandiswa kwezvinodhakwa nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG