Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 11, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoita makongiresi ematunhu ayo,kusanganisira dunhu reMashonaland West iro rine mutauro mukuru pamaitirwo ekongiresi yaro zvichitevera kutyityidzirana nekudzingana kuri kuitika mubato iri.

Mutungamiri weSudan, Va Omar al-Bashir, vanobviswa pachigaro nechisimba nemauto avo zvichitevera hutongi hwedemo hwavakaita nyika iyi kwemakore makumi matatu.

Professor Levy Nyagura vopihwa mutongo panyaya yavo yekuti votongwa here kana kuti kwete zvichitevera kupomerwa kwavari kuitwa pamhosva yekupihwa degree re PhD kwaAmai Grace Mugabe neUniversity of Zimbabwe, uko kunonzi kwakaitwa paine zvehuori mukati.

Varairidzi pasi peProgressive Teachers Union of Zimbabwe voshanyira nzvimbo yeChimanimani vachiona mamiriro akaita zvikoro zvemunzvimbo iyi zvichitevera kuparadzwa kwedunhu iri nedutumupengo reCyclone Idai.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa matambudziko akakonzerwa neCyclone Idai mumatunhu eManicaland neMasvingo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG