Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 10, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nevakuru vakuru vemabhizinesi vachivakurudzira kuti vawedzere rubatsiro kuvanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo nemafashamu eCyclone Idai.

Hurumende inoti vanhu vose vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi zvichitevera mafashamu eCyclone Idai, vava kutorwa sevanhu vakafa.

Nhengo dzeparamende dziri kupomerwa mhosva yekuda kupihwa chioko muhomwe dzinoti muzvinabhizinesi Shepard Tundiya, ikoronyera raida kuwana mari nenzira isina kunaka kubva kuna VaJames Goddard.

Vanhu vozeya hurongwa hwehurumende hwekuti vanhu vakashaya muGukurahundi vavigwe patsva

Mukuru wekumahofisi eConfederation of African Football vachiona nezvevabati vepembe, VaIsmael Ahmed, vanoti mubati wepembe VaThabani Bamala havana chavakakanganisa apo vakaramba chibodzwa cheCaps United icho chakakandwa naDominic Chungwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nyaya yeGukurahundi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG