Hurumende inoti yave nehurongwa hwekuti vana, kana hama dzevanhu vakabatwa nenyaya yeGukurahundi, vakwanise kuwana magwaro ekufa kwehama dzavo pamwe nemagwaro ekuzvarwa senzira yekugadzirisa zvimwe zvezvichemo zvange zviripo zvine chekuita nenyaya yeGukurahundi iyi.
Kufereferetwa kwenyaya iri kupomerwa mumiriri weNorton muNational Assembly kunotanga kuzeyiwa mudare iri muzvinabhizinesi James Goddard vachiudza paramende kuti muzvinabhizinesi Shepard Tundiya ndivo vakati vaida kupihwa chioko muhomwe, kwete VaMliswa.
Sangano reMedia Alliance of Zimbabwe rinoti mitemo yekutorwa kwenhau iri kuda kuvandudzwa haifanirwi kuti iomesere vatori venhau.
Kanzuru yeHarare yosimudzira matanho ayo ekuona kuti mabhizinesi ose ari muguta iri agara akabvisa mitero yemarezenisi sezvinodiwa nemutemo.
Hurumende inoti yave nehurongwa hwekubhadhara mari kuvarimi vachena vakatororerwa mapurazi avo munguya yekugoverwa kwevhu kuvanhu vatema panguva iyo nyanzvi munyaya dzehupfumi dziri kuti Zimbabwe haina mari yekuita izvi pari zvino kunyange hazvo ichisungirwa kuripa varimi ava.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kune vechidiki vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum