Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi, 08, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Amai Joyce Mujuru vanoti havana hurongwa hwekudzokera kubato reZanu-PF kunyangwe hazvo bato iri rakatumira nhumwa kuti dzivakumbire kuti vadzoke.

Mumwe mutevedzeri wemukuru mubazi rezvemadzimai kana kuti Women’s Affairs Amai Christine Chidem vomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuba chikafu chaida kupihwa vanhu vakawirwa nedambudziko reCylcone Idai.

Dare reparamende rotanga kunzwa nyaya iri kupomerwa nhengo dzeparamende VaTemba Mliswa avo vakazvimirira, VaLeonard Chikomba veZanu-PF, VaAnele Ndebele naVaPrince Dubeko Sibanda veMDC yekuita zvehuori kuHwange Colliery nekuda chiokomuhomwe.

Vamwe vatori venhau vanombochengetedzwa nemapurisa mushure mekuratidzira vachiti havana kufara nekukandwa kwehutsi hunokatyidza pamahofisi enhepfenyuro ye263 chat nemusi weChina.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kubatana kwakaita nyika dzepasi rino nezuro mukurangarira vanhu vakaurayiwa kuRwanda pakurwisana kwemarudzi pakati peMaTutsi nemaHutu. Ko chii chingadzidzwe neZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kubvumbi, 08, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG