Masangano anobatsira oramba achienderera mberi nekubatsira vanhu vakavhiringwa nedutumupengo reCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland izvo zvaita kuti mimwe migwagwa nemazambuko zvichifambika.
America inoti iri kupa rubatsiro rwakanyanya kudivi rekubatsira hupenyu hwevanhu vari parumananzombe zvichitevera kuwirwa kwavakaitwa nematambudziko akakonzerwa neCyclone Idai.
Kongiresi yeMDC mudunhu reNorth America yotanga nhasi manheru muguta reColumbus kuOhio ichikokerwa nevanyarikani vakabva kuZimbabwe, sachigaro wemadzimai mubato iri, Amai Lynette Karenyi naAmai Linda Masara, uye mumiriri weMDC kuBritain, VaElliot Pfebve.
Rwanda inocherechedza kusvitsa makore makumi maviri nemashanu zvichitevera kupondwa kwemarudzi kwakaitika muna 1994
Chikwata chemaWarriors chinonzi hachisati chawana nyika dzekuedzana nadzo masimba mugadziriro yacho yemakwikwi e2019 Africa Cup of Nations
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika mumakongiresi ematunhu mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum