Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kubvumbi 04, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa anorova mutori wenhau we263 Chat, pamwe nekukanda zvombo zvehutsi hunokachidza mumahofisi e263 Chat muHarare.

Chikwata cheZimbabwe Broader Alliance chinodyidzana neZanu PF chinoratidzira pamuzinda weAmerica muZimbabwe chichiti zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende nenyika iyi, zvibviswe

Studio7 inoramba yakaisa maziso ayo pane zviri kuitika kuChimanimani neChipinge, uko kune vanhu vakavhiringwa hupenyu hwavo neCyclone Idai.

Varimi vefodya kuMashonaland West votanga kutengesa fodya yavo vari mudunhu ravo vachiti rwendo rwuno havasi kufamba nzendo refu kunotengesera zvirimwa zvavo kuHarare.

Makakatanwa oitika mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa panguva iyo bato iri riri kuita makongiresi aro ematunhu aro.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi takatarisa matambudziko akatarisana nevanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai kuManicalabd neMasvingo..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG