Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mitumbi yevanhu gumi nevatanhatu inofungidzirwa kuti yawanikwa kuChimanimani nembwa dzinofunidza pane mitumbi dzakabva kuSouth Africa. Vanhu vanodarika mazana matatu havasi kuwanikwa kubva zvakarohwa nzvimbo iyi nedutumupengo Idai.

Vanhu vochema chema kuChipinge kuti havasi kuwana chikafu kunyangwe masangano anobatsira nehurumende achiti chikafu chiri mumatura.

Zvikoro zvinovharwa kuManicaland nenyaya yedambudziko redutumupengo kana kuti tropical cyclone idai.

Veritas yoendesa ZBC, Herald nedzimwe nhepfenyuro dzehurumende kumatare nenyaya yekusapa mapato ose mukana munguva dzesarudzo.

Makundano e 2019 Castle Lager Premier Soccer League arikupfungaudza utsi svondo rino, FC Platinum ichitarisirwa kutora mukombe uyu zvekare pachapera mitambo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kuManicaland vamwe vachichema chema kuti havasi kuwana chikafu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kurume 29, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG