Motokari yemauto inonzi yauraya vanhu vatatu vange vachida kuti vapihwe chikafu mushure mekupedza mazuva akawanda vasina chekudya kuManicaland.
Kutsvaga vanhu vanodarika mazana matatu varikushaikwa kuManicaland mushure medutumupengo idai kwoenderera mberi South Africa ichitanga kubatsira kutsvaga nembwa dzinofunhidza zvitunha uku hurumende ichiti kugadzirisa zvivakwa zvakaputswa kunoda mari inosvika mamiriyoni masere nematatu.
ZEC yotungamira chikwata chine mapato ane nhengo mudare reparamende nevamwe vakazvimirira kuSouth Africa kunodzidza nezvemafambisirwo esarudzo kubva kusangano reIndependent Electoral Commission of South Africa.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa voparura bhuku rakanyorwa nevaimbove mutungamiri wenyika yeNigeria VoOlusegun Obasanjo nasachigaro webato ravo VaTendai Biti muHarare.
Studio 7 yakabatana neMedia Centre yoita hurukuro nemadzimai muHarare.
Muimbi, Tedius Matsito akamboita mbiri nechikwata cheNgwenya Brothers anoshaya kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekurwara kwenguva yakareba.
Muchirongwa cheWomens Roundtable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu kuManicaland neMasvingo mushure medutumupengo idai.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum