Mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vanorangarirwa nhasi zvichitevera kushaya kwavo musi wa 14 Kukadzi gore rapera nechirwere chegomarara. VaTsvangirai vakashayikira muchipatara chekuSouth Africa.
Vanhu vemuZimbabwe vanobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reValentine’s Day panguva iyo munyika vanhu vasiri kuratidzana rudo nepamusana pemiono yakasiyana munyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.
Masangano evarairidzi ochema chema nekukundikana kwemusangano waaifanirwa kuita nehurumende pakati pesvondo rino achiti ava kuona sekunge akanyengedzwa nehurumende kuti nhengo dzawo dzidzokere kumabasa.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avakataura kumucheto wemusangano weAfrican Union kuEthiopia ekuti hapana munhu akapfurwa nemasoja mumhirizhonga yakaitika mwedzi wapera
Munyori weZimbabwe Council of Churches, VaKenneth Mtata, vanoti hachisi chokwadi kuti sangano ravo rine chinangwa chekubvisa hurumende pachigaro sezviri kuburitswa mumadandemutande.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zuva reValentine’s Day iro riri kuitika munyika vanhukadzi vakawanda vachichema nenyaya yekutyorerwa kodzero dzavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum