Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 13, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 13, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muparamende munomboita bvongamupopoto apo mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, pamwe nemumiriri weChegutu West, Va Dexter Nduna, vakandirana makobvu nematete zvichitevera kunetsana kwavakaitana zvakare nezuro.

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva reWorld Radio Day panguva iyo vanhu vari kuda kutanga nhepfenyuro dzematunhu vari kuchena nerekuti hurumende haisi kuda kusunungura masaisai kuitira kuti kuve nema community radio stations munyika.

Sangano reZimbabwe Council of Churches rinoti hachisi chokwadi kuti riri kushanda nechinangwa chekubvisa hurumende pachigaro sezviri kubuda mumadandemutande nemamwe mapepanhau.

Masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika opinda muhurongwa hwekuona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvingani, zviripi, uye zvichishanda kupi.

Kuburitswa kwechikwata che FC Platinum mumakwikwi eAfrica Champions – Group B, kwosimudza mutauro pamusoro pemamiriro akaita nhabvu munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG