Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakabvisiswa mari yechibatiso dzinosungwa zvakare apo dzaenda kumapurisa kunozviratidza sezvakatarwa nematare edzimhosva apo dziri kutongwa dzichibva kumba.
Vadzidzisi vari kuramwa mabasa vanoti havasi kuzodzokera kubasa kana hurumende isati yavapa mari yavari kuda kunyange vari kutyisidzirwa kuti vachabvisirwa mari yemazuva avanenge vasina kushanda
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vanobata matomu zvichitevera kubuda munyika kwaVaEmmerson Mnangagwa, avo vari kumusangano weAfrican Union.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvingaitwa nenyika dzemu Africa mukugadzirisa gakava remuZimbabwe.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum