Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 07, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotadza kuenda kunobatana nevamwe kumusangano wenhaurirano wakokerwa nevemachechi, asi vachitumira nhumwa yavo, uye vari sachigaro weZanu PF, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, kuti vavamirire pamusangano uyu, uyo wapindwawo nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu opa maonero awo pazvinhu zvinofanirwa kuitwa kuitira kuti nhaurirano dzifambire mberi zvakanaka.

Mumiriri weNorton muparamende, VaTemba Mliswa, vambosiya chigaro chasachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa mushure nekunge mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, vazivisa kuti paramende ichaferefeta VaMliswa nevamwe vavo vatatu vanonzi vakaita zvehuori.

Masangano evarairidzi anoti kunyange hazvo varairidzi vari kutyityidzirwa munyika yose, vacharamba vachienderera mberi nekuramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Nhasi tine nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzichipawo maonero adzo pane zviri kuitika munyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwenhaurirano dziri kurongwa munyika, uye kuti dzichabatawo seyi vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG